1 Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita.
2 Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora.
3 Pauro akaunganidza svinga retutsotso paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake.
4 Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pachavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.”