22 Asi tinoda kunzwa kuti pfungwa dzako ndedzei, nokuti tinoziva kuti kwose kwose vanhu vanotaura zvakaipa pamusoro peboka iri.”
23 Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira umambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita.
24 Vamwe vakatendeswa nezvaaireva, asi vamwe havana kutenda.
25 Vakasatenderana pakati pavo ndokubva vatanga kuenda, shure kwokunge Pauro ataura mashoko okupedzisira okuti: “Mweya Mutsvene akataura chokwadi kumadzitateguru enyu paakataura nomuromo waIsaya muprofita achiti:
26 “ ‘Enda kuvanhu ava uti,“Mucharamba muchinzwa asi musingatongonzwisisi;mucharamba muchiona asi musingatongoonesesi.”
27 Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu;havanzwisisi nenzeve dzavo,uye vakatsinzina meso avo.Zvimwe vangaona nameso avo,vanzwe nenzeve dzavo,vanzwisise nemwoyo yavo,vagotendeuka, ndigovaporesa.’
28 “Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kuvaHedheni, uye ivo vachanzwa!”