1 Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagunun'una pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose.
2 Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura.
3 Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari,
4 uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”
5 Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokoro, Nikano, Timoni, Paminasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha.
6 Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo.