50 Ko, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?’
51 “Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene!
52 Kwakambova nomuprofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu here? Vakauraya kunyange vaya vakaprofita kuuya kwaIye Oga Akarurama. Uye zvino makamupandukira mukamuuraya,
53 iyemi makagamuchira murayiro wamakapiwa kubudikidza navatumwa, asi musina kuuteerera.”
54 Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa zvikuru uye vakamurumanyira meno avo.
55 Asi Sitefani, azere noMweya Mutsvene, akatarisa kudenga akaona kubwinya kwaMwari, uye Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.
56 Akati, “Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”