1 Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake.Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yapaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria.
2 Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru.
3 Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo.
4 Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda.
5 Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko.
6 Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura.
7 Nokuti, mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa.