30 Zvino hama dzakati dzazvinzwa izvi, dzakamutora dzikaburuka naye kuKesaria ndokumuendesa kuTasasi.
31 Ipapo kereke yakava norugare muJudhea mose, nomuGarirea neSamaria. Kereke yakasimbiswa; uye ikakurudzirwa naMweya Mutsvene, ikakura pauwandu, ichirarama mukutya Ishe.
32 Petro paakanga achifamba achipota nenyika, akashanyira vatsvene muRidha.
33 Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere.
34 Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzviwaririre nhoo dzako.” Pakarepo Eniasi akasimuka.
35 Vose vaigara muRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna She.
36 MuJopa maiva nomudzidzi ainzi Tabhita (kana zvichishandurwa, Dhokasi), aiita zvakanaka nguva dzose uye achibatsira varombo.