1 Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
2 Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi:“Ndichatuma nhume yangu mberi kwako,uyo achagadzira nzira yako,”
3 “inzwi rounodana murenje, richiti,‘Gadzirai nzira yaShe,ruramisai migwagwa yake.’ ”
4 Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.