16 uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chetemberi.
17 Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti:“ ‘Imba yangu ichanziimba yokunyengetera yendudzi dzose’?Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ”
18 Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vanhu vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake.
19 Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta.
20 Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi.
21 Petro akarangarira akati kuna Jesu, “Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!”
22 Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari.