3 Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’ ”
4 Vakaenda vakandowana mwana wembongoro ari kunze munzira yomumusha, akasungirirwa pamukova. Pavakamusunungura,
5 vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?”
6 Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda.
7 Uye vakauya nembongoro iyi kuna Jesu uye vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi.
8 Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, uye vamwe vachiwaridza matavi avakanga vatema musango.
9 Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti:“Hosana!”“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”