5 vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?”
6 Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda.
7 Uye vakauya nembongoro iyi kuna Jesu uye vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi.
8 Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, uye vamwe vachiwaridza matavi avakanga vatema musango.
9 Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti:“Hosana!”“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”
10 “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!”“Hosana kumusoro-soro!”
11 Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.