1 Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi uye akaenda parwendo.
2 Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari zvimwe zvemichero yomunda wemizambiringa.
3 Asi vakamubata, vakamurova vakamudzosa asina chinhu.
4 Ipapo akatuma mumwe muranda; vakarova murume uyu mumusoro vakamunyadzisa zvikuru.
5 Akapamhazve kutuma mumwe, uye uyo vakamuuraya. Akatuma vamwe vazhinji; vamwe vavo vakavarova, vamwe vakavauraya.