23 Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri.
24 Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji.
25 Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva iro pandichazonwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”
26 Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.
27 Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Ndicharova mufudzi,makwai agopararira.’
28 Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea.”
29 Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.”