25 Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva iro pandichazonwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”
26 Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.
27 Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Ndicharova mufudzi,makwai agopararira.’
28 Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea.”
29 Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.”
30 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.”
31 Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vose vakadarowo.