49 Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.”
50 Ipapo vose vakamusiya vakatiza.
51 Rimwe jaya, rakanga rakapfeka mucheka bedzi, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata,
52 rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure.
53 Vakaenda naJesu kumuprista mukuru, uye vamwe vaprista vose vakuru navadzidzisi vomurayiro vakaungana pamwe chete.
54 Petro akamutevera ari nechokure, kusvikira apinda muruvazhe rwomuprista mukuru. Akagara navarindi achidziya moto.
55 Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu.