32 Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakamuudza kuti, “Mai venyu navanun'una venyu vari kukutsvakai panze.”
33 Iye akati, “Vanamai vangu navanun'una vangu ndivanaaniko?”
34 Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanun'una vangu!
35 Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye munun'una wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”