1 Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaungana. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati,
2 “Ndino urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya.
3 Kana ndikavaendesa vane nzara kumusha, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.”
4 Vadzidzi vake vakati, “Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?”
5 Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?”Vakati, “Zvinomwe.”