2 Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo.
3 Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno.
4 Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu.
5 Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.”
6 Akashaya zvokutaura, vakanga votya zvikuru.
7 Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!”
8 Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu.