12 Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.
13 Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.
14 Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.
15 Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
16 “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:
17 “ ‘Takakuridzirai hwamanda,asi hamuna kutamba;takaimba rwiyo rworufu,uye hamuna kuchema.’
18 “Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’