13 Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.
14 Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.
15 Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
16 “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:
17 “ ‘Takakuridzirai hwamanda,asi hamuna kutamba;takaimba rwiyo rworufu,uye hamuna kuchema.’
18 “Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’
19 Mwanakomana woMunhu akanga achidya nokunwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”