5 Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
6 Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.”
7 Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
8 Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.
9 Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura kwazvo muprofita.
10 Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi:“ ‘Ndinotuma nhume yangu mberi kwakouye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.’
11 “Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.