13 Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.
14 Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.
15 Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.
16 Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani.
17 Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:
18 “Houno muranda wangu wandakasarudza,wandinoda, anondifadza;ndichaisa Mweya wangu paari,iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.
19 Haazokakavari kana kuridza mhere;hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.