15 Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.
16 Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani.
17 Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:
18 “Houno muranda wangu wandakasarudza,wandinoda, anondifadza;ndichaisa Mweya wangu paari,iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.
19 Haazokakavari kana kuridza mhere;hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.
20 Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori,nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi,kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.
21 Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”