49 Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama,
50 uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
51 Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?”Vakapindura vakati, “Hongu.”
52 Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.”
53 Jesu akati apedza mifananidzo iyi, akabvapo.
54 Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya?
55 Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanun'una vake vanoti Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi?