3 Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, munun'una wake,
4 sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.”
5 Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita.
6 Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo,
7 zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira.
8 Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.”
9 Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari,