3 Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
4 Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’
5 Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari,
6 haachafaniri kukudza baba vake nacho. Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu.
7 Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti:
8 “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,asi mwoyo yavo iri kure neni.
9 Vanondinamata pasina;vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”