36 Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, uye akati avonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose.
37 Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe.
38 Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi.
39 Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani.