6 haachafaniri kukudza baba vake nacho. Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu.
7 Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti:
8 “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,asi mwoyo yavo iri kure neni.
9 Vanondinamata pasina;vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”
10 Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise.
11 Icho chinopinda mumuromo momunhu hachimusvibisi, asi chinobuda mumuromo make ndicho chinomusvibisa.”
12 Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?”