1 Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakhobho naJohani munun'una waJakhobho akakwira navo mugomo refu vari voga.
2 Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza.
3 Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu.
4 Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.”
5 Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”
6 Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo.
7 Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.”