1 “Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwananingwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa.
2 Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa.
3 “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita.
4 Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’
5 Saka vakaenda.“Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo.