28 Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”
29 Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.
30 Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga.
31 Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,
32 ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakhobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”
33 Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
34 Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.