31 Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,
32 ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakhobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”
33 Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
34 Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.
35 Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo unoti,
36 “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”
37 Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’