10 Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana,
11 uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji.
12 Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.
13 Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa.
14 Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
15 “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga nganzwisise,
16 ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.