1 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi zvose, akati kuvadzidzi vake,
2 “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.”
3 Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru, ainzi Kaifasi,
4 uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya.
5 Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.” namazana amadhora
6 Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi,