4 uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya.
5 Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.” namazana amadhora
6 Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi,
7 mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura.
8 Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko?
9 Mafuta anonhuwira angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.”
10 Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo.