1 Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe.
2 Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati.
3 Judhasi uya akanga amupandukira akati, aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru.
4 Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.”Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.”
5 Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira.
6 Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.”
7 Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa.