29 Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!”
30 Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakaramba vachimurova nayo musoro.
31 Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo uye vakaenda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.
32 Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.
33 Vakasvika panzvimbo inonzi Gorokota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya).
34 Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa.
35 Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya.