33 Vakasvika panzvimbo inonzi Gorokota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya).
34 Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa.
35 Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya.
36 Uye vakagara pasi, vakamurinda.
37 Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.”
38 Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
39 Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo