38 Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
39 Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo
40 uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!”
41 Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti,
42 “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari.
43 Anovimba naMwari ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ”
44 Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.