41 Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti,
42 “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari.
43 Anovimba naMwari ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ”
44 Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.
45 Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose.
46 Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?”
47 Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.”