13 Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari,
14 kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti:
15 “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari,nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani,Garirea ravaHedheni,
16 vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru;kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu,chiedza chavhenekera.”
17 Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
18 Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomunun'una wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove.
19 Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”