16 vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru;kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu,chiedza chavhenekera.”
17 Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
18 Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomunun'una wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove.
19 Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”
20 Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.
21 Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomunun'una, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana,
22 uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.