20 Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.
21 Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomunun'una, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana,
22 uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
23 Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo nokuparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu.
24 Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyanasiyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa.
25 Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.