3 “Vakaropafadzwa varombo pamweya,nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
4 Vakaropafadzwa vanochemanokuti vachanyaradzwa.
5 Vakaropafadzwa vanyoronokuti vachagara nhaka yenyika.
6 Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakaruramanokuti vachagutswa kwazvo.
7 Vakaropafadzwa vane tsitsinokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.
8 Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,nokuti vachaona Mwari.
9 Vakaropafadzwa vanoyananisanokuti vachanzi vana vaMwari.