8 Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,nokuti vachaona Mwari.
9 Vakaropafadzwa vanoyananisanokuti vachanzi vana vaMwari.
10 Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururamanokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
11 “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.
12 Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
13 “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
14 “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.