8 Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.
9 “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:“ ‘Baba vedu vari kudenga,zita renyu ngarikudzwe,
10 umambo hwenyu ngahuuye,kuda kwenyu ngakuitwe panyikasezvinoitwa kudenga.
11 Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva.
12 Tiregererei zvatinokutadzirai,sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.
13 Tibatsirei kuti tisapinda mukuedzwa,uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’
14 “Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.