1 Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu,
2 sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri naavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko.
3 Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa,
4 kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
5 Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni.