56 Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye ipapo akazodzokera zvake kumusha.
57 Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana wake, akazvara mwana mukomana.
58 Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye.
59 Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria,
60 asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.”
61 Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.”
62 Ipapo vakataura namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana.