59 Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria,
60 asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.”
61 Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.”
62 Ipapo vakataura namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana.
63 Iye akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo.
64 Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari.
65 Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose.