7 Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo.
8 Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake uye achibata somuprista pamberi paMwari,
9 akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuwira mutemberi yaShe.
10 Uye nguva yokupisa zvinonhuwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera.
11 Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuwira.
12 Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya.
13 Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani.