72 kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene,
73 mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:
74 kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu,uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi,
75 muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
76 “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita woWokumusoro-soro;nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,
77 kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo,
78 nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu,naye zuva richatibudira richibva kudenga,